VOOZH about

URL: https://sn.wikipedia.org/wiki/Birchenough_Bridge

⇱ Birchenough Bridge - Wikipedia


Svetuka kuchirochemo
Kubva Wikipedia
👁 Image
Birchenough Bridge

Zambuko reBirchenough (Birchenough Bridge) rinowanikwa mudunhu reManicaland munyika yeZimbabwe.

Zambuko iri rakavakwa naDorman Long uye rakapedzwa kuvakwa mugore ra1935 uye rakapiwa zita iri mushure maVaHenry Birchnough vakarasirwa madota avo munyasi mezambuko iri mushure mekufa kwavo. Zambuko iri rinonzi nevagari vemu nyika yeZimbabwe kuti ndechimwe chezvivakwa chakaisvonaka uye chakakwenenzverwa. Vanhu vemunzvimbo iyi vanorarama nekudyara nekukohwa mbesa uye nekupfuya mbudzi.

Nzvimbo iyi hainaye mvura yakawanda uye kunopisa samare. Vagari veko vanowanzopinda munguva yakaoma nechirwere chehumutu (malaria).